Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 1:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pamarudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa.

2. Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo.

3. Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. Anogara pakati pendudzi; haawani nzvimbo yokuzorora. Vose vaimudzinganisa vakamubata ari pakati pokutambudzika kwake.

4. Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa. Masuo aro ose haasisina vanhu, vaprista varo vanogomera, varandakadzi varo vanochema, uye iro riri pakurwadziwa kukuru.

5. Vavengi varo ndivo vava vatongi varo; vavengi varo vagere zvakanaka, Jehovha akarivigira kutambudzika nokuda kwezvivi zvaro zvizhinji. Vana varo vakaenda kuutapwa, vava nhapwa pamberi pavavengi.

6. Kuyevedza kwose kwabva paMwanasikana weZioni. Machinda aro aita senondo yashayiwa mafuro. Mukushayiwa simba vakatiza pamberi paanovadzinganisa.

7. Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusarema rinorangarira pfuma yose yakanga iri yaro pamazuva akare. Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi, rakashaya anoribatsira. Vavengi varo vakaritarisa, vakariseka pakuparadzwa kwaro.

8. Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo rasvibiswa. Vose vairikudza vorizvidza, nokuti vakaona kushama kwaro; iro pacharo rinogomera, richidzokera shure.

9. Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro; harina kurangarira ramangwana raro. Kuwa kwaro kwakashamisa; hakuna akarinyaradza. “Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu, nokuti muvengi akunda.”

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 1