Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 6:6-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Saka Joshua mwanakomana waNuni akadana vaprista akati kwavari, “Takurai areka yesungano yaJehovha uye vaprista vanomwe ngavatakure hwamanda pamberi pavo.”

7. Akarayira vanhu akati, “Endai mberi! Fambai muchipoteredza guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vaende mberi kweareka yaJehovha.”

8. Joshua paakapedza kutaura navanhu, vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe pamberi paJehovha vakaenda pamberi, vachiridza hwamanda dzavo, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.

9. Vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakafamba mberi kwavaprista vairidza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka. Nguva yose iyi hwamanda dzairira.

10. Asi Joshua akanga arayira vanhu achiti, “Musadanidzira, musasimudzira manzwi enyu, musamboti bufu kusvikira zuva randinokuudzai kuti mudanidzire, ipapo ndipo pamunozodanidzira!”

11. Naizvozvo akarayira kuti areka yaJehovha itakurwe ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete. Ipapo vanhu vakadzokera kumisasa vakararako.

12. Joshua akamuka rungwanangwana zuva raitevera vaprista ndokutakura areka yaJehovha.

13. Vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe vakaenda pamberi, vakafamba pamberi peareka yaJehovha vachiridza hwamanda. Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira uye varindi veshure vakatevera areka yaJehovha, hwamanda dzichingoridzwa.

14. Naizvozvo pazuva rechipiri vakafamba vachipoteredza guta kamwe chete vakadzokera kumisasa. Vakaita izvi kwamazuva matanhatu.

15. Pazuva rechinomwe, vakamuka mambakwedza vakafamba vachipoteredza guta kanomwe nenzira imwe chete, asi musi uyu vakapoterera guta kanomwe.

16. Panguva yechinomwe, vaprista pavakaridzisa hwamanda kwenguva refu, Joshua akarayira vanhu achiti, “Danidzirai! Nokuti Jehovha akupai guta!

17. Guta nezvose zviri mariri rinofanira kupiwa kuna Jehovha. Asi Rahabhi chifeve bedzi navose vaainavo mumba make ndivo vachasiyiwa, nokuti akavanza vashori vatakatuma.

18. Asi imi musaswedera pazvinhu zvakatukwa, kuti murege kuzviunzira kuparara, nokutora kana chimwe chazvo. Dzimwe nguva mungaunza kuparara pamusasa weIsraeri mukaipinza padambudziko.

19. Sirivha yose negoridhe nemidziyo yendarira neyesimbi zvakatsaurirwa Jehovha uye zvinofanira kuiswa munochengeterwa pfuma yake.”

20. Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 6