Vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe vakaenda pamberi, vakafamba pamberi peareka yaJehovha vachiridza hwamanda. Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira uye varindi veshure vakatevera areka yaJehovha, hwamanda dzichingoridzwa.