Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 22:3-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Kwenguva refu, kusvikira nhasi, hamuna kurasa hama dzenyu, asi makaita zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.

4. Zvino Jehovha Mwari wenyu zvaakazorodza hama dzenyu sezvaakavimbisa, imi chidzokerai kumisha yenyu munyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha mhiri kweJorodhani.

5. Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.”

6. Ipapo Joshua akavaropafadza akati vaende havo, ivo vakaenda kumisha yavo.

7. (Rudzi rwehafu rwaManase, Mozisi akanga apa nyika yomuBhashani, uye imwe hafu yorudzi rwaManase yakapiwa nyika naJoshua kumavirazuva pamwe chete nehama dzavo.) Joshua akati avaendesa kumusha, akavaropafadza,

8. achiti, “Dzokerai kumisha yenyu nepfuma yenyu zhinji, nemombe dzakawanda, nesirivha, negoridhe, ndarira nesimbi, nenhumbi dzakawanda chose, mundogovana nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.”

9. Saka vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vakasiya vaIsraeri paShiro munyika yeKenani vakadzokera kunyika yeGireadhi, nyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.

10. Vakati vasvika paGeriroti pedyo neJorodhani munyika yeKenani, vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vakavaka aritari huru kwazvo ipapo paJorodhani.

11. Zvino vaIsraeri vakati vanzwa kuti vakanga vavaka aritari pamuganhu weKenani paGeriroti pedyo neJorodhani kudivi reIsraeri,

12. ungano yose yavaIsraeri yakaungana paShiro kuti vaende kundorwa navo.

13. Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokurudzi rwehafu rwaManase.

14. Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri.

15. Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase, vakati kwavari,

16. “Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino.

17. Ko, chivi chepaPeori chakanga chisina kutiringana here? Kusvikira pazuva ranhasi hatina kuzvichenesa pachivi ichocho kunyange zvazvo hasha dzakawira ungano yaJehovha!

18. Ko, zvino mava kutsauka kubva pana Jehovha here?“ ‘Kana mukamukira Jehovha nhasi, mangwana achatsamwira ungano yose yavaIsraeri.

19. Kana nyika yamunayo yakasvibiswa, yambukirai kuno kunyika yaJehovha, kwakamira tabhenakeri yaJehovha mugogovana nyika nesu. Asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe aritari parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wedu.

20. Akani mwanakomana waZera paakadarika nokusatenda pachinhu chakatsaurwa naJehovha, kutsamwa hakuna kuwira ungano yose yaIsraeri here? Haasi iye oga akafira chivi chake.’ ”

21. Ipapo Rubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase vakapindura vakuru vedzimba dzaIsraeri vakati,

22. “Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Iye Oga Wamasimba, Mwari, Jehovha! Anoziva! Uye Israeri ngaizive! Kana izvi kwanga kuri kumukira kana kusateerera Jehovha, musatiponesa nhasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 22