Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 22:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Naizvozvo vaIsraeri vakatuma Finehasi mwanakomana womuprista Ereazari, kunyika yeGireadhi, kuna Rubheni, naGadhi nokurudzi rwehafu rwaManase.

14. Akatumwa iye pamwe chete navakuru vamachinda gumi, mumwe chete akamirira rudzi rumwe chete rwavaIsraeri, mumwe nomumwe wavo ari mukuru weimba pakati pamarudzi aIsraeri.

15. Vakati vaenda kuGireadhi, kuna Rubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase, vakati kwavari,

16. “Ungano yose yaJehovha inoti, ‘Makarasirei kutenda muna Mwari waIsraeri sezvizvi? Mungadzokera shure seiko muchibva kuna Jehovha mukazvivakira aritari muchimumukira zvino.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 22