Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 19:15-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pana maguta gumi namaviri nemisha yawo.

16. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, imba neimba.

17. Mugove wechina wakapiwa Isakari, imba neimba.

18. Nyika yavo yaisanganisira:Jezireeri, Kesuroti, Shunami,

19. Hafaraimi, Shioni, Anaharati,

20. Rabhiti, Kishioni, Ebhezi,

21. Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi.

22. Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.

23. Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, imba neimba.

24. Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, imba neimba.

25. Nyika yavo yaisanganisira:Herikati, Hari, Bheteni, Akisafi,

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 19