Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 15:10-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ipapo waikombamira kumavirira uchibva paBhaara kusvika paGomo reSeiri uchienda nokumawere eGomo reJearimi (iro Kesaroni), ndokupfuurira pasi kuBheti Shemeshi uchizoyambukira kuTimina.

11. Waiendawo nokumawere echokumusoro kweEkironi, uchidzoka wakananga kuShikeroni, uchipfuura nokuGomo reBhaara uchisvika kuJabhuneeri. Muganhu waindogumira kugungwa.

12. Muganhu wokumavirira ndiwo mahombekombe eGungwa Guru.Iyi ndiyo miganhu yakapoteredza Judha zvichienderana nedzimba dzavo.

13. Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.)

14. Karebhu akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki vaiti Sheshai, Ahimani naTarimani zvizvarwa zvaAnaki kubva paHebhuroni.

15. Kubva ipapo akandorwa navanhu vaigara kuDhebhiri (yaimbonzi Kiriati Seferi).

16. Karebhu akati, “Munhu anorwa neKenati Seferi akarikunda ndichamupa mukunda wangu, Akisa ave mukadzi wake.”

17. Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake.

18. Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?”

19. Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.

20. Iyi ndiyo nhaka yorudzi rwaJudha, imba neimba:

21. Maguta ezasi zasi erudzi rwaJudha kuNegevhi kwakanangana nomuganhu weEdhomu kwaiva ne:Kabhizeeri, Edheri, Jaguri,

22. Kina, Dhimona, Adhadha,

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 15