Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 14:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino idzi ndidzo nzvimbo dzakagamuchirwa navana vaIsraeri senhaka munyika yeKenani, dzavakagoverwa nomuprista Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsraeri.

2. Nhaka yavo yakagoverwa nemijenya kumarudzi mapfumbamwe nehafu yamarudzi, sezvakanga zvaraiyirwa naJehovha kuna Mozisi.

3. Mozisi akanga apa marudzi maviri ane hafu nhaka yawo kumabvazuva kweJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo,

4. nokuti vana vaJosefa vakanga vava marudzi maviri rwaManase norwaEfuremu. VaRevhi havana kuwana mugove wenyika asi maguta okugara, namafuro amakwai avo nemombe dzavo.

5. Naizvozvo vana vaIsraeri vakakamura-kamura nyika, sezvazvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 14