Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 10:23-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Naizvozvo vakabudisa madzimambo mashanu aya mubako, mambo weJerusarema, noweHebhuroni, noweJarumuti, noweRakishi noweEgironi.

24. Pavakauya namadzimambo aya kuna Joshua, akadana varume vese veIsraeri akati kuvatungamiri vehondo vakanga vauya naye, “Uyai pano muise tsoka dzenyu pamitsipa yamadzimambo aya.” Naizvozvo vakaenda mberi vakaisa tsoka dzavo pamitsipa yavo.

25. Joshua akati kwavari, “Musatya; musaora mwoyo. Simbai mutsunge mwoyo. Izvi ndizvo zvichaitwa naJehovha kuvavengi venyu vose vamucharwa navo.”

26. Ipapo Joshua akavabaya akauraya madzimambo aya ndokuvasungirira pamiti mishanu, uye vakasiyiwa vakarembera pamiti kusvikira madekwana.

27. Zuva rava kuvira Joshua akarayira vanhu vakavaturura mumiti ndokuvakanda mubako mavakanga vambovanda. Vakaisa matombo makuru pamuromo webako, ayo achiripo nanhasi.

28. Musi iwoyo Joshua akatora Makedha. Akabayira guta namambo waro nomunondo akaparadza zvachose vanhu vose vakanga varimo. Haana kusiya vapenyu. Uye akaita kuna mambo weMakedha sezvaakaita kuna mambo weJeriko.

29. Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuMakedha vakaenda kuRibhina ndokuirwisa.

30. Jehovha akapawo guta iroro namambo waro muruoko rwaIsraeri. Joshua akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaita kuna mambo waro zvaakanga aita kuna mambo weJeriko.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 10