Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 10:17-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Joshua paakaudzwa kuti madzimambo mashanu aya akanga awanikwa akavanda mubako paMakedha,

18. akati, “Kungurusirai matombo makuru pamuromo webako, mugoisa vamwe varume ipapo kuti varichengete.

19. Asi musamira! Teverai vavengi venyu, muvarwise necheshure kwavo uye musavarega vachisvika kumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu avapa mumaoko enyu.”

20. Naizvozvo Joshua navaIsraeri vakavaparadza zvachose, asi vashoma vavo vakasara vakasvika kumaguta avo akavakirwa masvingo.

21. Ipapo vanhu vose vakadzokera kuna Joshua kumusasa paMakedha norugare, uye hapana kana mumwe akataura shoko pamusoro pavaIsraeri.

22. Joshua akati, “Vhurai muromo webako mugondiigira madzimambo mashanu aya.”

23. Naizvozvo vakabudisa madzimambo mashanu aya mubako, mambo weJerusarema, noweHebhuroni, noweJarumuti, noweRakishi noweEgironi.

24. Pavakauya namadzimambo aya kuna Joshua, akadana varume vese veIsraeri akati kuvatungamiri vehondo vakanga vauya naye, “Uyai pano muise tsoka dzenyu pamitsipa yamadzimambo aya.” Naizvozvo vakaenda mberi vakaisa tsoka dzavo pamitsipa yavo.

25. Joshua akati kwavari, “Musatya; musaora mwoyo. Simbai mutsunge mwoyo. Izvi ndizvo zvichaitwa naJehovha kuvavengi venyu vose vamucharwa navo.”

26. Ipapo Joshua akavabaya akauraya madzimambo aya ndokuvasungirira pamiti mishanu, uye vakasiyiwa vakarembera pamiti kusvikira madekwana.

27. Zuva rava kuvira Joshua akarayira vanhu vakavaturura mumiti ndokuvakanda mubako mavakanga vambovanda. Vakaisa matombo makuru pamuromo webako, ayo achiripo nanhasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 10