Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 10:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akanzwa kuti Joshua akanga atora Ai akariparadza zvachose, akaitira Ai namambo waro sezvaakanga aitira Jeriko namambo wayo, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vaita sungano yorugare navaIsraeri uye kuti vaigara pedyo navo.

2. Iye navanhu vake vakavhundutswa kwazvo nazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakaita serimwe ramaguta oumambo; rakanga riri guru kupfuura Ai, uye varume varo vose vaiva mhare pakurwa.

3. Naizvozvo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akatuma nhume kuna Hohani mambo weHebhuroni, nokuna Piramu mambo weJarumuti, nokuna Jafia mambo weRakishi nokuna Dhebhiri mambo weEgironi.

4. Akati, “Uyai kuno mundibatsire kurwisa Gibheoni, nokuti vakaita sungano yorugare naJoshua navaIsraeri.”

5. Ipapo madzimambo mashanu avaAmori, madzimambo eJerusarema, neHebhuroni, neJarumuti, neRakishi neEgironi, vakaunganidza varwi vavo. Vakaenda nehondo dzavo dzose vakavaka musasa pamberi peGibheoni, vakairwisa.

6. Zvino vaGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa waiva paGirigari, vachiti, “Musasiya henyu varanda venyu. Uyai kuno kwatiri nokukurumidza muzotiponesa! Tibatsirei, nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vaungana kuti vatirwise.”

7. Naizvozvo Joshua akafamba achibva paGirigari, iye navarwi vose vaaiva navo, navarume vose vesimba noumhare.

8. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya; ndavaisa mumaoko ako. Hapana kana mumwe wavo achagona kumira pamberi pako.”

9. Naizvozvo Joshua akavarwisa pakarepo, shure kwokunge afamba achibva kuGirigari usiku hwose.

10. Zvino Jehovha akaita kuti vavhunduke pamberi pavaIsraeri, avo vakavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, vakavadzingirira nenzira inoenda kuBheti Horoni, vakavaparadza kusvikira kuAzeka nokuMakedha.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 10