Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 40:11-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Bvisa ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,

12. tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire.

13. Uvavige vose pamwe chete muguruva; usunge zviso zvavo muguva.

14. Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.

15. “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe.

16. Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.

17. Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.

18. Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.

19. Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 40