Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 39:8-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zviri zvinyoro.

9. “Ko, nyati ingatenda kukushandira here? Ko, ichagara mudanga rako usiku here?

10. Ko, ungagona kuifambisa mumafaro namahanisi here? Ko, ingarima makoronga mushure mako here?

11. Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?

12. Ungavimba nayo kuti ikuvigire zviyo zvako uye igozviunganidza paburiro rako here?

13. “Mapapiro emhou anobhururuka nomufaro mukuru, asi haangazvienzanisi namapapiro uye neminhenga yedambira murove.

14. Inokandira mazai ayo muvhu ndokuarega achidziyirwa mujecha,

15. isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kuti mhuka dzesango dzingaatsika.

16. Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina,

17. nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.

18. Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi varo.

19. “Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?

20. Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?

21. Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.

22. Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 39