Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 39:21-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.

22. Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo.

23. Gaba rinorira naparutivi paro, pamwe chete nepfumo rinovaima uye bakatwa.

24. Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda.

25. Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Iro rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo uye mheremhere yehondo.

26. “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?

27. Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira?

28. Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.

29. Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure.

30. Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 39