Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 39:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?

2. Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?

3. Dzinotsivama pasi dzogobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.

4. Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.

5. “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?

6. Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo.

7. Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi.

8. Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zviri zvinyoro.

9. “Ko, nyati ingatenda kukushandira here? Ko, ichagara mudanga rako usiku here?

10. Ko, ungagona kuifambisa mumafaro namahanisi here? Ko, ingarima makoronga mushure mako here?

11. Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 39