Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 34:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?

8. Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.

9. Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’

10. “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.

11. Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.

12. Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.

13. Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?

14. Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 34