Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 30:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.

10. Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira kumeso.

11. Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.

12. Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.

13. Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.

14. Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.

15. Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.

16. “Uye zvino upenyu hwangu hwava kure kure; mazuva okutambudzika anondibata.

17. Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori.

18. Nesimba rake guru Mwari anobva afanana nechipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.

19. Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.

20. “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.

21. Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.

22. Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.

23. Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 30