Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 30:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.

6. Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.

7. Vakarira pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.

8. Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.

9. “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.

10. Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira kumeso.

11. Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.

12. Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.

13. Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.

14. Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.

15. Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.

16. “Uye zvino upenyu hwangu hwava kure kure; mazuva okutambudzika anondibata.

17. Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 30