Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 30:17-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori.

18. Nesimba rake guru Mwari anobva afanana nechipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.

19. Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.

20. “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.

21. Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.

22. Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.

23. Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.

24. “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.

25. Ko, handina kuchema avo vaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?

26. Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.

27. Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 30