Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 3:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?

13. Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora

14. namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,

15. navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha.

16. Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva?

17. Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora.

18. Nhapwa dzinofariravo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomutyairi wenhapwa.

19. Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 3