Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 27:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.

14. Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; vazukuru vake havazombowani zvokudya zvinovaringana.

15. Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.

16. Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokufuka zvikaita somurwi wevhu,

17. zvaanowana zvichafukwa navakarurama, uye vasina mhaka vachigovana sirivha yake.

18. Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi.

19. Anovata pasi akapfuma, asi haachazvipamhizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.

20. Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.

21. Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, zvino aenda hake. Inomukukura kubva panzvimbo yake.

22. Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.

23. Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 27