Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 27:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:

2. “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,

3. sezvo ndichine upenyu mandiri, iko kufema kwaMwari mumhino dzangu,

4. miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.

5. Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.

6. Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.

7. “Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama!

8. Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?

9. Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?

10. Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 27