Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 23:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.

10. Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo;

11. tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.

12. Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakachengetedza mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.

13. “Asi iye anomira ega, uye ndiani angapikisana naye? Iye anoita zvaanoda.

14. Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.

15. Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.

16. Mwari akaita kuti mwoyo wangu uziye; Wamasimba Ose akandivhundutsa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 23