Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 23:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Kunyange nanhasi ndonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.

3. Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!

4. Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo.

5. Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.

6. Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka.

7. Ipapo munhu akarurama aigona kuzotura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 23