Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 19:19-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.

20. Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete.

21. “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.

22. Munonditeverereiko sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?

23. “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo pabhuku,

24. dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana ainyorwa padombo nokusingaperi!

25. Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.

26. Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;

27. ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!

28. “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’

29. munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 19