Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 18:5-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Mwenje wavakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.

6. Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi rwake unodzima.

7. Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.

8. Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo.

9. Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa.

10. Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake.

11. Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

12. Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa.

13. Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

14. Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa.

15. Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

16. Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro.

17. Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika.

18. Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika.

19. Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara.

20. Vanhu vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; vanhu vokumabvazuva vakabatwa nokutya.

21. Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomunhu akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 18