Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 14:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. asi uchabukira pakunhuwira kwemvura ugobudisa matavi somuti uchangomera.

10. Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovipozve.

11. Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi,

12. saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisikozve, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.

13. “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira!

14. Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.

15. Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.

16. Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 14