Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 14:14-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.

15. Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.

16. Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu.

17. Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu.

18. “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,

19. semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.

20. Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.

21. Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakamuninipisa, iye haazvioni.

22. Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 14