Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 12:5-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.

6. Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura vamwari vavo mumaoko avo.

7. “Asi bvunzai mhuka, uye dzichakudzidzisai, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudzai;

8. kana taurai kunyika, ichakudzidzisai, kana hove dzegungwa ngadzikuzivisei.

9. Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?

10. Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.

11. Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?

12. Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

13. “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 12