Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 12:11-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?

12. Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

13. “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake.

14. Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; munhu waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.

15. Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.

16. Simba nokukunda ndezvake; akanyengerwa nomunyengeri vose ndevake.

17. Anodzinga makurukota asina nguo nokuita kuti vatongi vave mapenzi.

18. Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo ndokusunga zviuno zvavo nomucheka.

19. Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.

20. Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.

21. Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.

22. Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.

23. Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira.

24. Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.

25. Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 12