Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 6:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri vatanhe zvachose samazambiringa; utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi, sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.”

10. Ndingataura naaniko andingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri.

11. Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; vose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera.

12. Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, vakadzi vavo pamwe chete neminda yavo navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

13. “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera.

14. Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare.

15. Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” Ndizvo zvinotaura Jehovha.

16. Zvanzi naJehovha, “Mirai pamharadzano dzenzira muone; mubvunze nzira dzekare, mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi, ipapo muchawana zororo romweya yenyu. Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’

17. Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati, ‘Teererai inzwi rehwamanda!’ Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’

18. Naizvozvo inzwai, imi Israeri, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari.

19. Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.

20. Ndine hanya yeiko nezvinonhuwira zvinobva kuShebha, kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi; zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 6