Ndingataura naaniko andingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri.