Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 6:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Setsime rinoeredza mvura yaro, saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro. Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwika mariri, kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu.

8. Inzwa yambiro, iwe Jerusarema, kuti ndisakufuratira ndikaita nyika yako dongo, kuti isava nomunhu angagara mairi.”

9. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri vatanhe zvachose samazambiringa; utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi, sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.”

10. Ndingataura naaniko andingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri.

11. Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; vose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera.

12. Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, vakadzi vavo pamwe chete neminda yavo navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

13. “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 6