Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 6:25-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Regai kuenda kumunda, kana kufamba mumigwagwa, nokuti muvengi ano munondo, uye kumativi ose kune zvinotyisa.

26. Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo.

27. “Ndakakuita muedzi wamatare navanhu vangu mhangura, kuti ucherechedze nokuedza nzira dzavo.

28. Vose vamukiri vakaoma mwoyo, vanongofamba-famba vachiita makuhwa. Ivo indarira nesimbi; vose vanoita zvakaora.

29. Mvuto inovhutira zvinotyisa kuti ipise mutobvu nomoto, asi kunatswa kunongova pasina; nokuti vakaipa havangabviswi.

30. Vanonzi sirivha yakarambwa, nokuti Jehovha akavaramba.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 6