Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 6:15-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” Ndizvo zvinotaura Jehovha.

16. Zvanzi naJehovha, “Mirai pamharadzano dzenzira muone; mubvunze nzira dzekare, mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi, ipapo muchawana zororo romweya yenyu. Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’

17. Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati, ‘Teererai inzwi rehwamanda!’ Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’

18. Naizvozvo inzwai, imi Israeri, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari.

19. Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.

20. Ndine hanya yeiko nezvinonhuwira zvinobva kuShebha, kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi; zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”

21. Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava. Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete, vavakidzani neshamwari vachaparara.”

22. Zvanzi naJehovha, “Tarirai, hondo iri kuuya kubva kunyika yokumusoro; rudzi rukuru rwuri kumutswa kubva kumigumo yenyika.

23. Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa somutinhiro wegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”

24. Takanzwa guhu ravo, uye maoko edu oshayiwa simba. Tabatwa nokurwadziwa, kurwadziwa kwakaita sokwomukadzi ari kusununguka.

25. Regai kuenda kumunda, kana kufamba mumigwagwa, nokuti muvengi ano munondo, uye kumativi ose kune zvinotyisa.

26. Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 6