Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka. Ungudzai pamusoro paro! Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro, zvimwe ringaporeswa.

9. “ ‘Taida kuporesa Bhabhironi, asi haringaporeswi; ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake, nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga, kunokwira kusvikira kumakore.’

10. “ ‘Jehovha haana kuti tine mhosva; uyai, tiparidze muZioni zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’

11. “Regai miseve, torai nhoo! Jehovha akamutsa madzimambo avaMedhia, nokuti akaronga kuparadza Bhabhironi. Jehovha achatsiva, kutsivira temberi yake.

12. Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi! simbisai varindi, isai nharirire panzvimbo dzavo, gadzirirai vanovandira. Jehovha achaita zvaakaronga, zvaakatema pamusoro pavanhu veBhabhironi.

13. Imi mugere pedyo nemvura zhinji uye makapfuma kwazvo, magumo enyu asvika, nguva yokuti muparadzwe.

14. Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti: Zvirokwazvo ndichakuzadza navarume, sezvinoitwa nechimokoto chemhashu, uye vachapembera nokuti vanenge vakukundai.

15. “Akaita nyika nesimba rake; akateya nheyo dzenyika nouchenjeri hwake, akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.

16. Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira; anokwidza makore kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe chete nemvura, uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

17. “Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.

18. Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa; kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa.

19. Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, pamwe chete norudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51