Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvanzi naJehovha,“Tarirai, ndichamutsa mwoyo womuparadzi pamusoro peBhabhironi navanhu veRebhi Kamai.

2. Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi kundoriridza nokuparadza nyika yaro; vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro.

3. Musarega mupfuri achiwembura uta hwake, kana kumurega achipfeka nhumbi dzake dzokurwa. Regai kunzwira majaya aro tsitsi; paradzai hondo yaro zvachose.

4. Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi, vachakuvadzwa mumigwagwa zvokuti havazorarami.

5. Nokuti Israeri neJudha havana kuraswa naMwari wavo, iye Jehovha Wamasimba Ose, kunyange nyika yavo yakazara nemhaka pamberi poMutsvene waIsraeri.

6. “Tizai mubve muBhabhironi! Mhanyai noupenyu hwenyu! Regai kuparadzwa nokuda kwezvivi zvaro. Inguva yokutsiva kwaJehovha; iye achariripira zvarinokodzera.

7. Bhabhironi akanga ari mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha; akadhakisa nyika yose. Ndudzi dzakanwa waini yaro; naizvozvo dzava kupenga.

8. Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka. Ungudzai pamusoro paro! Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro, zvimwe ringaporeswa.

9. “ ‘Taida kuporesa Bhabhironi, asi haringaporeswi; ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake, nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga, kunokwira kusvikira kumakore.’

10. “ ‘Jehovha haana kuti tine mhosva; uyai, tiparidze muZioni zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’

11. “Regai miseve, torai nhoo! Jehovha akamutsa madzimambo avaMedhia, nokuti akaronga kuparadza Bhabhironi. Jehovha achatsiva, kutsivira temberi yake.

12. Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi! simbisai varindi, isai nharirire panzvimbo dzavo, gadzirirai vanovandira. Jehovha achaita zvaakaronga, zvaakatema pamusoro pavanhu veBhabhironi.

13. Imi mugere pedyo nemvura zhinji uye makapfuma kwazvo, magumo enyu asvika, nguva yokuti muparadzwe.

14. Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti: Zvirokwazvo ndichakuzadza navarume, sezvinoitwa nechimokoto chemhashu, uye vachapembera nokuti vanenge vakukundai.

15. “Akaita nyika nesimba rake; akateya nheyo dzenyika nouchenjeri hwake, akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.

16. Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira; anokwidza makore kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe chete nemvura, uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

17. “Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51