Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 49:2-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharidza mhere yehondo pamusoro peRabha ravaAmoni; richaitwa murwi wamatongo, uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto. Ipapo Israeri achadzinga vaya vakanga vamudzinga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

3. Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa! Ridzai mhere, imi vanogara muRabha! pfekai masaga mucheme, mhanyai pano nekoko pakati porusvingo, nokuti Moreki achaenda muutapwa, pamwe chete navaprista vake namachinda ake.

4. Unozvikudzireiko nemipata yako, kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo? Haiwa mwanasikana wokusatendeka, unovimba nepfuma yako uchiti, ‘Ndiani acharwa neni?’

5. Ndichauyisa kutya pamusoro pako kunobva kuna avo vakakupoteredza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure, uye hakuna achaunganidza vatizi.

6. Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7. Pamusoro peEdhomu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here? Mano atsakatika here kuna vakangwara? Ko, uchenjeri hwavo hwaora here?

8. Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika, imi munogara muDhedhani, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau, panguva yandinomuranga.

9. Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mazambiringa mashoma here? Kana mbavha dzikasvika usiku, havangabi zvavanoda chete here?

10. Asi ndichafukura Esau; ndichazarura nzvimbo dzake dzokuwanda, kuitira kuti akoniwe kuzvivanza. Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa, uye iye haachazovipozve.

11. Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo. Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”

12. Zvanzi naJehovha, “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho.

13. Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”

14. Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kundoti, “Unganai kuti murwe naro! Simukai murwe!”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 49