Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 41:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye, nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe.

9. Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa.

10. Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni.

11. Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania,

12. vakatora varume vavo vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakandomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni.

13. Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara.

14. Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.

15. Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapukunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni.

16. Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, navakadzi, navana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni.

17. Vakaenderera mberi ndokundomira vava paGeruti-Kimhami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti

18. kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuva mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 41