Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 41:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari werudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wemachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo,

2. Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo.

3. Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo.

4. Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva,

5. varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakavevura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo nokuzvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuwira kuimba yaJehovha.

6. Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 41