Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri: “ ‘Vakakutsausai uye vakakukundai, ivo shamwari dzamaivimba nadzo. Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka; shamwari dzenyu dzakakutizai.’