Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 36:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha, richiti,

2. “Tora rugwaro rwakapetwa unyoremo mashoko ose andakataura kwauri pamusoro peIsraeri, napamusoro peJudha nedzimwe ndudzi dzose kubvira panguva yandakatanga kutaura kwauri panguva yokutonga kwaJosia kusvikira iye zvino.

3. Zvimwe vanhu veJudha vakanzwa pamusoro penjodzi imwe neimwe yandakaronga kuisa pamusoro pavo, vangadzoka mumwe nomumwe wavo kubva pazvakaipa zvake; ipapo ndichavakanganwira zvakaipa zvavo nechivi chavo.”

4. Saka Jeremia akadana Bharuki mwanakomana waNeria, uye Jeremia, paaimuverengera mashoko ose akanga ataurwa naJehovha kwaari, Bharuki ainge achianyora murugwaro rwakapetwa.

5. Ipapo Jeremia akataurira Sharuki, akati, “Ini ndakadziviswa, handigoni kuenda kutemberi yaJehovha.

6. Saka iwe enda kuimba yaJehovha pazuva rokutsanya undoverengera vanhu mashoko aJehovha awakanyora murugwaro rwakapetwa ini ndichikutaurira. Uverengere vanhu vose veJudha vanouya vachibva kumaguta avo.

7. Zvimwe vanganyengetera kuna Jehovha uye mumwe nomumwe wavo achadzoka kubva panzira dzake dzakaipa, nokuti kutsamwa nehasha dzakarehwa naJehovha pamusoro pavanhu ava kukuru.”

8. Bharuki mwanakomana waNeria akaita zvose zvaakataurirwa nomuprofita Jeremia kuti aite; akarava mashoko aJehovha kubva murugwaro rwakapetwa, ari patemberi yaJehovha.

9. Mumwedzi wechipfumbamwe wegore rechishanu raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, nguva yokutsanya pamberi paJehovha yakadanidzirwa kuvanhu vose muJerusarema navose vakanga vabva kumaguta eJudha.

10. Bharuki akaverengera vanhu vose mashoko aJeremia aiva murugwaro rwakapetwa, ari mumba maJehovha, mukamuri yaGemaria mwanakomana waShafani munyori, yaiva muruvazhe rwokumusoro pamuromo weSuo Idzva retemberi yaJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 36