Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 31:22-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mhandara yokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”

23. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Pandichavadzosazve pakutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’

24. Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.

25. Ndichasimbisa vanenge vaneta nokugutsa vanenge vaziya.”

26. Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.

27. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 31