Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Pandichavadzosazve pakutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’