Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 31:19-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndikazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’

20. Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange dai ndichimbomutuka hangu, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

21. “Zvimisirei shongwe dzenzira: Misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamakafamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.

22. Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mhandara yokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”

23. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Pandichavadzosazve pakutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’

24. Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 31