Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 31:18-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti, ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.

19. Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndikazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’

20. Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange dai ndichimbomutuka hangu, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

21. “Zvimisirei shongwe dzenzira: Misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamakafamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.

22. Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mhandara yokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”

23. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Pandichavadzosazve pakutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’

24. Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.

25. Ndichasimbisa vanenge vaneta nokugutsa vanenge vaziya.”

26. Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.

27. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.

28. Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, nokuwisira pasi, nokuparadza, nokuuyisa njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake nokusima,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

29. “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 31