Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 25:26-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. namadzimambo ose okumusoro vepedyo nevokure, mumwe achitevera mumwe, ushe hwose huri pamusoro penyika. Shure kwaivava vose, mambo weSheshaki achazoinwawo.

27. “Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’

28. Asi kana vakaramba kutora mukombe muruoko rwako kuti vamwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Munofanira kuinwa!

29. Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

30. “Zvino chiprofita mashoko aya ose pamusoro pavo uchiti, ‘Jehovha achaomba ari kumusoro; achatinhira ari pachigaro chake chitsvene nokuomba zvikuru pamusoro penyika yake. Achadanidzira sezvinoita vanotsika mazambiringa, achidanidzira pavose vagere panyika.

31. Bope richaunga kusvikira kumagumo enyika, nokuti Jehovha achapa ndudzi mhosva; achauyisa kutonga pamusoro pamarudzi ose avanhu uye achaisa vakaipa kumunondo,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.

32. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, njodzi iri kupararira ichibva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe; dutu guru rasimuka richibva kumagumo enyika.”

33. Nenguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika.

34. Chemai uye muungudze, imi vafudzi; umburukai muguruva, imi vatungamiriri veboka. Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika; muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.

35. Vafudzi vachashayiwa kwokutizira, navakuru veboka vachashayiwa kwokutizira.

36. Inzwai kuchema kwavafudzi, nokuungudza kwavatungamiriri veboka, nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo.

37. Mabumhudza ano rugare achaparadzwa nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

38. Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda, uye nyika yavo ichaparadzwa nokuda kwomunondo womumanikidzi, uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 25