Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 25:23-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. neDhedhani, neTema, neBhuzi navose vari kunzvimbo dziri kure;

24. madzimambo ose eArabhia namadzimambo ose enyika dzavatorwa vanogara mugwenga;

25. namadzimambo ose eZimuri, neEramu neFiristia,

26. namadzimambo ose okumusoro vepedyo nevokure, mumwe achitevera mumwe, ushe hwose huri pamusoro penyika. Shure kwaivava vose, mambo weSheshaki achazoinwawo.

27. “Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’

28. Asi kana vakaramba kutora mukombe muruoko rwako kuti vamwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Munofanira kuinwa!

29. Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

30. “Zvino chiprofita mashoko aya ose pamusoro pavo uchiti, ‘Jehovha achaomba ari kumusoro; achatinhira ari pachigaro chake chitsvene nokuomba zvikuru pamusoro penyika yake. Achadanidzira sezvinoita vanotsika mazambiringa, achidanidzira pavose vagere panyika.

31. Bope richaunga kusvikira kumagumo enyika, nokuti Jehovha achapa ndudzi mhosva; achauyisa kutonga pamusoro pamarudzi ose avanhu uye achaisa vakaipa kumunondo,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.

32. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, njodzi iri kupararira ichibva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe; dutu guru rasimuka richibva kumagumo enyika.”

33. Nenguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika.

34. Chemai uye muungudze, imi vafudzi; umburukai muguruva, imi vatungamiriri veboka. Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika; muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu.

35. Vafudzi vachashayiwa kwokutizira, navakuru veboka vachashayiwa kwokutizira.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 25