Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 2:26-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa, saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa, ivo namadzimambo avo uye namachinda avo, vaprista vavo navaprofita vavo.

27. Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’ uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’ Vakandifuratira ini asi zviso zvavo hazvina, nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri, ‘Uyai mutiponese!’

28. Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi? Ngavauye kana vachigona kukuponesai pamunenge mava munhamo! Nokuti muna vamwari vakawanda kupfuura maguta amunawo, imi Judha.

29. “Nemhaka yeiko muchindipa mhosva? Imi mose makandimukira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

30. “Ndakaranga vana venyu pasina; havana kuteerera kurangwa. Munondo wenyu wakamedza vaprofita, kufanana neshumba inoparadza.

31. “Haiwa, imi vorudzi urwu, rangarirai Shoko raJehovha rinoti: “Ndanga ndiri renje kuna Israeri here kana nyika yerima guru? Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti, ‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’

32. Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here, nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini, mazuva asingaverengeki.

33. Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo! Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu.

34. Panguo dzako vanhu vanowanapo ropa ravarombo vasina mhaka, kunyange usina kuvabata vachipaza. Asi kunyange zvakadaro

35. unoti, ‘Handina mhosva; uye haana kunditsamwira.’ Asi ndichatema mutongo wangu pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’

36. Ko, unofambireiko pose pose zvakadai, uchishandura nzira dzako? Iwe uchagumburwa neIjipiti, sezvawakaitwa neAsiria.

37. Uchabvawo panzvimbo iyoyo wakaisa maoko ako pamusoro pako, nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo; iwe hauchazobatsirwi navo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 2