Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 2:14-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?

15. Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari.

16. Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako.

17. Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira?

18. Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva Shihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi?

19. Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.

20. “Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve.

21. Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa, uri mbeu kwayo inovimbika. Ko, zvino wakazondishandukira sei ukava muzambiringa webundo wakaora?

22. Kunyange ukazvishambidza nesoda uchishandisa sipo yakawanda, gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,”ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari.

23. “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo,

24. uri mbizi yakarovedzwa mugwenga, inofembedza mhepo mukushuva kwayo; ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo? Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa; panguva yokusangana uchaiwana.

25. Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’

26. “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa, saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa, ivo namadzimambo avo uye namachinda avo, vaprista vavo navaprofita vavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 2